Shona

ChiShona chirudzi chinotaugwa nevanhu vomuZimbabwe. Ini ndinobva neche kuchamhembe kweZimbabwe kuMasvingo Province kunotaugwa Chikaranga.

Nyangwe hangu ndakaberekegwa mhiri kwemakungwa, ndiri Mukaranga wokwaChivi aifarira kushanyira mbuya muvudoko bgwangu, ndichidzidza zvakawanda. Naizvozvo mutauro wandinoshandisa mumagwaro andinonyora akarerekera kuChikaranga. Manyoregwo akaiqhwa mahwi echiKaranga mumagwaro angu akaperetegwa sekubgwerekeqhwa kwaanoiqhwa muchiKaranga, sezvandadonyora ndakaita mutsara uno.

Izvi ndinozviitira zvikonzero zvinotevera:
1. Kuti zvipevo dzimwe ndimi dzechiShona mukana uye chiremera, kudarika rutivi gumwe gwakashandisiwa nevarumbi pavakatigadzirira kuti mutauro wedu unyoreke. 
2. Kuti zvikwanise kuchengetedza mataurigo anoiqhwa nevaKaranga. Tikasadai, mitauro netsika dzedu zvinoparara zvachose.
3. Chikaranga chine mutinhimira unonditekenyedza nekundidadisa, zvokuti kune vasati vambochihwa, ndoda kumbokupakuriraivo hwisa yomutauro uyu mumagwaro andinonyora. 

  Ndinovona sokuti vana veZimbabwe tanyanya kupindwa nechizvino-zvino chinoita kuti tiyemure mitauro yevamwe tichisvoda kutaura neyedu. Kana tichidai tiri kusimbisa hunhu wevamwe asi tichirasha bgwedu. 

Pari zvino ndine gwaro renhetembo rinohi "Zvadzugwa Musango". Ndine mamwe magwaro ari muhari andichabura mumwedzi inotevera kana achinge aibva.

Heyo hwisa yevhunzurudzo pakati pangu nomupesvi weZvadzugwa Musango, VaDaniel Mutendi. Mukadzvanya pamusoro apo pakahi "Interviews" munokwanisa kurava vhunzurudzo yose ipapo. 

"Mupesvi: Ko iro zita rokuti Zvadzugwa musango rinoreveiko?
Nyanduri: Ndiri murimi wemaruva akakosha anobva kunyika dzakasiyana siyana. Chandakadzidza mukurera maruva nemiti yangu ndechekuti zvinhu zvakadzugwa mumasango zvine murimo wokushongedza zvivazhe, asi isu varidzi vezvivazhe tinokangamwa kuti zvivazhe zvedu zvinevhu rakasiyana nere musango. Kuti maruva awa ararame, anotoda kuti awane zvaaiwana ari musango. Sokuti ndikawana gavakava raikurira mujecha pedo naparuware, pandinoridzvara mugaba, rinotoda ivhu rakawanda jecha nemabgwe anoritsigira kuti rihwe sokuti richiri musango. Kana raiwana mvura shoma musango, nenivo ndorinyima mvura. Saizvozvi ndinovona sokuti MaZimbabweans ose ari kugara mu“diaspora” maruva akadzugwa musango. Naizvozvo haafaniri kukangamwa kwaakabva, kuitira kuti ararame zvakanaka kunzvimbo tsva dzatava idzi." 

Dzvanyai pano muhwe ndichidetemba

Shona blog

Svikai pano tibgwerekete nyaya dzakasiyana siyana nendimi yeChikaranga. Dzvanyai mufananidzo kuti mukova uvhurike.

Zvadzugwa Musango

Pano paita nhetembo dzanyandurikadzi vari kuvheneka zvinoitika kana chizvagwa chomuZimbabwe chasunga tundu chikatamira kune dzimwe nyika. Kufara nokuchema kwevapoteri kunobudiswa zvine unyanzvi munhetembo dziri mugwaro rino. Muchisetswa nokuchemedzwa kudero, muchavhugwa fungwa nokudzidza zvakawanda pamusoro pechivanhu chakafindikwa mumutauro unotapira wechiKaranga. 

Dzvanyai pamufananidzo wegwaro renhetembo kuti musvitsiwe pamunokwanisa kuritenga.
Share by: